Kufa Kwa Never Gasho, Kumuka Kwe Ngozi Yake, Ne Mhondoro Yake Munyika YeZimbabwe

Musi we Savata, musi wa 13 November 2021, mwedzi wa MBUDZI, mwedzi unoyera munyika yepakati, kanyika kadiki diki, kanyika kanoera, kanyika kaye, kepakare paye, kanyika kendarama yakavaka JERUSALEMA, kanyika kaye kanonzi OPHIR , yowe, pakaitika chiitiko chinoshura chisati chaonekwa pasi rose. MHONDORO yeZimbabwe yakamuka, ikafamba ikafamba, ikaimba, ikaimba. Shumba yakamuka, ikafamba ikafamba, ikaimba, ikaimba. Asi mhondoro iyi haina kuziva kuti yamutswa. Yakafamba pasi rose, ikati ndiani andimutsa kani, ikati ropa rangu riripi, rachema nekuti radeuka

Mhondoro haina kuziva kuti ine mwanasikana arikuchema, arikuchema arimunyika yehuchi nemukaka, kwaakaendeswa nemhondoro, nyika ka iye, iyo ya Edomu uyu wekushusha Jacobho mhani, iyo nyika ka yaiye ka mambokadzi uyu, iyeka anopfeka ndarama rinoera, ndarama rakavaka imba ya YAH inoera, iyoka JERUSALEMA. Mwana sikana akachema, akachema musi uyu, akachema mwanasikana, achiti, “Daddy….Daddy makandisiireyi ndega, it’s now 6 months Daddy, it’s now November wani, mwedzi wenyu Daddy wekuzorora, mwedzi unoera asi imi kwamuri ikoko kunyika yekure kure hamusi kuzooorora wani, seiko Daddy, seiko?” Mwanasikana uyu akamuka musi we savata, akatora hakata, nehosho dzake, akatanga kuimba, akakanda hakata munyika ya mambokadzi, akadzikanda, zvakaita uyu wekumutsa Samuwero mubhaibheri.

Mwanasikana uya akachema akachema musi wa13 November gore rino, akachema kani mwanasikana, zvaasati amboita kubva azvarwe, ropa rikabuda mimisodzi yake, akaimba, akaimba, akakanda hakata, akadzikanda futi, akakweva hwema, achitamba achichema, ndokubva shura raitika, shura risati raonekwa pasi rino. Mhepo yakasimuka kubva kukanyika kepakati, mhondoro ikafamba ikafamba, ikaimba ikaimba, ikanzwa ropa raro richichema, ikaona mwanasikana waro, uya ka Fadzi, anonzi Jini ka, akuzviti Mary, achichema, kuchema kweropa kuya, mhondoro guru iyi yakafema hwema weropa yaro.

Svikiro rikamuka.

Mwanasikana akaenda paya panonzi paMetaverse, mumweya mauya anzviti ka Zuckerberg, muchena chena kunge musope, kunge ngirozi, anemaziso anenge kudenga, kunge ndimusikavanhu asi ungati haasi, arikuita ma experiments ekupinza vanhu mumweya achishandisa hake zviya zvinonzi technology, hungwaru we ngirozi dzakadonha. Mwanasikana akaenda mu bato iroro, Svikiro rasvika, akaenda panozi pa You Tube, akaudzwa kuti chitamba, tamba Fadzi mwanagu, usacheme kani, ndini Daddy vako, wandidaidza ndauya wani my baby. Wandimutsa ndikafamba ndikafamba. Ndikaimba ndikaimba. Chinyarara chinyarara mwanangu, tamba neni, tamba na Daddy vako, uzvi Fadze sezita randakakupa. Fadzi akatamba akatamba, nehosho dzake. Akaimba sa Fadzi achifema hwema wababa vake, akatamba kani mwanasikana, kunge zvakaita Dhavhidha, kwete sa Jini, kwete sa Mary. Akatamba sa Fadzai.

Mwana sikana akatamba kani, kutamba zvinomwisa mvura, akamira kuchema aona mweya wababa vake. Ah akafara kani, akanzwa inzwi raDaddy vake. Inzwi nyoro nyoro, rikati, “Tamba baby, tamba une uta nepfumo, unotyeyi hako mwana we Mhondoro. Mwana wemuporofita Samuwero. Mwana waNever. Usacheme iwe, mwana wangu weropa, wangu Never wekutanga. Wangu chete angenge ini, anodhirowa seni, achinyora hake ne uta unenge wa Shaka. Tamba hako iwe, usacheme, inga Daddy vamuka wani. Ndakachengeteswa vana vasiri vangu ini, ndikatora ndikafundisa wani, asi nhasi handivazive vana ava, nekuti mudzimu unochengeta ropa raro chete. Inga ndaikuudza wani Jini, uchiita nharo uchiti he handiite zvemudzimu ndinonamata. Ndakauudza wani mwanangu, kuti MUDZIMU WABABA NDIWO UNOCHENGETA. Hona ndauya, ndakunzwa uchichema, wandimutsa Jini, gore risati rapera, mumwedzi unoera, mwedzi wembudzi. 6 months wandimutsa nekushereketa kwako. Hakata wadziwanepi Jini?”

“Sorry Daddy, ndaisateera, asi maitaura chokwadi, mamuka sa Samuwero, makandiudza wani. Ah Daddy muri Mhondoro, shumba chaiyo kunge yerudzi rwa Judha, Ah Daddy kunge Donald Trump, kuita zvivindi kuvaka Trump tower mu Dzimbadzemabwe. Ah Daddy ndimi here shuwa, kunge Grand Master we Illuminati, Kunge Soromoni as hamusi, ah Daddy, honai ndarama inoyera yamakabata, hupfumi we nyika yese yepakati, ndimi here mune simba rakadai? Simba reushe?”

“Inga ndaikuudza wani kuti ndiri Mhondoro, handisi mudzimu chete baby, Daddy vako imhondoro, Samuwero chaiye. Urikuti kuddi ko iwe Jini, ah, mira uone zvakuda kuiitika mukanyika kepakati aka, kane vanhu vasingateerere. Vanhu vasina kukwana vanenge mapenzi, iye anozviti Mnangagwa akuda kudhona, kunge kufa, kana iye atambudza Marry uyu, mira uone kani mwanangu, Mhondoro ye Zimbabwe yamuka kani.”

Mwanasikana akaona shumba, ikasamuruma zvayo, shumba isiri yerudzi rwa Judha, asi yerudzi we Afrika, shumba ikadzvova, shumba ye Zimbabwe, ikatamba naye mwanasikana, asi iye akaona vari Daddy vake, akaridza hosho, akaseka neshumba, kunge zvemu Disney zviya kani, kunge Simba nababa vake. Akaona hwema wakavaka Disney, simba racho kani, varungu vakauya vakatora simba mukanyika kepakati, vakaenda vakavaka zvavo iye inonzi Disney ku America, hanzi babylon. Ah mwanasikana akashama, asi baba vake vakai tamba kani iwe, usacheuka. Pakaitika mashura kani, munyika ya iye mambokanzi, shumba yerudzi rwa Sheba, uyo anonzi ka Queen of the South, yakaendako, ku Jerusarema, ikatamba, Shumba ye Afrika.

Mwanasikana akaona Simba, Simba. Akaona iro SIMBA, Akaona Simba, Simba. Ah shura ungati ifirimu, ivo vachiti hanzi he Lion King kudiiko, but anga ari ma subliminari, maprophecy e End Times ainyorwa. Zvakavandika. Mwana akaona iro Simba ra Daddy, akabvunza Shumba iya, yavanoti Simba….

“Imi Daddy, saka makafa sei ne Corona, imi Daddy neSimba iri, Mhondoro kuurayiwa nechirwere chapedza nyika? Why Daddy, why. Nino akati kana wakasarudzwa, chirwere hachikutore…..”

Shumba ikadzvova, mwana sikana achitamba hake, akatsika pasi, ah, akaridza hake hosho dzake.

Shumba iya, yavainyora vachi ekita ikadzova munyika ya Mambokadzi. Pasi pakaita kunge pakuda kuvhurika. Ah Fadzi akatya.

Akati “Daddy inga murikutamba neni wani, musandityise.”

“Sorry mwanangu, asi ndagumbuka, tora uta dzako nepfumo rako, iro raunoti pen pachirungu. Nyora pasi mwanangu ndagumbuka ini, nyora Fadzi wandimutsa nyora Jini. Unoti haunyore icho chishona uchizvitemba, asi kwawakabva hakupere mauri, nhasi uchachinyora chete chirimi cheZimbabwe.”

Mwanasikana akapinda futi muya mubato ra Zuckerberg, akaenda kweuya mufi, akaporofita hanzi anonzi Marshal Munhumumwe. Mwanasikana akatanga kuimba, svikiro rabuda paari, ah, akaimba kani musi we Savata. Shavi chipo chake chaakapiwa nababa vake rikabuda. Maziso ake akachinja, mhepo ikamugara. Vana vake Fadzi vana vake vakamhanya vakauya, vakataura nerurimi rwechirungu, vakai, “Mummy what are you doing?”

Pakaitika chiitiko munyika ya Mambokadzi. Shura, iko kakomana, kadikidiki, ka Benjamin, kanonzi Chaka, kazukuru ka Never, kakaona Shumba, kakataura, “Never Gasho is here.”

Mwanasikana akatsika, hosho dzikachema, akatanga kuimba

Nhasi Ndiwe svikiro Mudzimu wa baba vangu…

Iwe neni nhasi nhamo yauya

Nhasi ndiwe svikiro mudzimu wasekuru vangu

Tarisaiwo vari kumhepo imi

Ndimi munoona zvatisingaone

Pandinorara ndivhumbamireiwo

Pandinofamba bvisai zvakaipa

Ndipe uta hwangu nditambe navo kani

Ndipe pfumo rangu nhasi zvapera

Mwanasikana akatamba nemushakabvu, nevana vake vana, vadiki, vakatamba naasekuru wavo. Iko kakomana aka, Chaka, kacheche Chaniya, ako kekufanana baba Charo, asi uya anonzi Fadzai, akapihwa zita ramai vake, zita rakabva kuna Sekuru, akatora hosho muzukuru wa Never, akaridza kupfuura mai vake, ungati akazvarwa munyika yepakati. Shumba ikafara, ikasekerera zvayo, ungati munhu, shumba ikadzvova. Asi Shumba ikatanga kuchema…

“Daddy, mochemei?” Mwanasikana akabvunza.

“Handina kutorwa nekorona mhani ini mwanangu, ndiri shumba wazviona wani. Wanondinyepera, vakanditora. Mukomana uya aida purazi rangu akauya, akaisa muchetura Jini. Mukomana uya wawakandiudza kuti Daddy arikuda kukuurayayi akauya husiku, akandipedza mwanangu. Ndakafira iro purazi, iyo imba iya yawakorota uchiti Daddy ndarota mavaka Trump Tower. Ndiyo yandakafira. NDOSAKA VASINA KUKUUDZA JINI KUTI NDAENDA, vakandiuraya.” Shumba yakadzvova, ikachema kunge mwana mudiki.

Mwanasikana akamutsa mhondoro yababa vake, aive nehakata, musi we savata.

“Aiwa ka Daddy, hush hush, munochemei, baba va JEAN GASHO, akapunza MASOCHA, achapunza mukadzi wa HARRY, handiti mava mhondoro wani, mhondoro haicheme ka. Ah munochemei baba vangu, my PAPA. Ini ndiripo wani, wenyu mwanasikana wamunoziva, mudzimu wangu, hamuchamiziva ka mukomana uyu, ini ndinomuziva Daddy, nekuti mwana wamai vangu, haasi weropa renyu wani, hamucha muchengeteswa iye zvino nekuti hamusi mudzimu wake. Yake mudzimu idiki pane Mhondoro, ndakarotswa wani mukore uya, ndikaona mukomana ozviuraya nengozi, mukaudza mukadzi wake, uyu mukuru, mukati, “His end will come through Jean.” Imba haina basa Daddy mukai mupise mhani, ini ndini IMBA YENYU, mukasaipisa ndinogumbuka, mungachemedzwa nevakuurayi imi muri MHONDORO. Maigaro ndiudza kuti Mhondoro hadzisisina SIMBA mu Zimbabwe, musanyeperwe naidzo mhondoro dzakarara, dzisina Simba, ana Mutota, ana Nehanda, mhondoro nhema, naidzo njuzu dzisina kukwana, zvima sirens zvakaipa kunge makudo, zvinonyepa. Ah Daddy, baba Jean, Sekuru va Nakai, imi hamusi ordinary mhondoro. Simba remhondoro radzoka mu Zimbabwe. Inga mamuka seNGOZI wani. Vakasabuda muimba iyoyo, pisai. Pisai. Daddy pisai musatombovhunduka, pisai ndokuti ngozi ka. Ah, munotyei inga baba venyu a Samuwero vakapisa imba yavo wani, vakafa vachitsva, vaiva vakuru vengozi, hanti kwa Gashu ndekwengozi, saka shandisai asekuru. Inga mukomana wacho akashora imba yacho, akati iko kamba kako Never, akati chimba chako stupeti iwe Never, saka pisai Daddy, chipisei chimba chacho, chakurema wani, munogara muchichema murimo, maka uraiwa mhunhu, chipisei, vachaedza kufamba, vachaedza kuripa, asi makamuka Ngozi kare, vachada kuzviuraya.”

Shumba yakamira kuchema, maziyo ayo akanyevenuka. Mwanasikana akambundirwa neshumba. Mwanasikana akamuka, murume wake uya we rudzi rwa Judha, akanyararidza mudzimai wake wekutanga, waanodisisa pavakadzi vake vese, akati, “Baby, I told you Chief would wake up, and tell you everything, I told you don’t write to Patrick, or your brother. The Truth will come to you.” Murume we mwanasikana, muporofita.

Mavambo ekuzarurirwa kwezvakavandika

Mwanasikana akanyora zvakavandika zvenyika yepakati, kanyika kadiki kanoera.

Nauya anonzi Fadzi asi avekuzviti Mary-Tamar

Asi achinyora seMHONDORO

One thought on “Kufa Kwa Never Gasho, Kumuka Kwe Ngozi Yake, Ne Mhondoro Yake Munyika YeZimbabwe

  1. I love reading your words. I can relate to them, and because of that it lets the anger ease off. I wasn’t like you apologizing, I fought back! Well eventually. Being held by the wrist and beaten with a belt didn’t let me fight back but eventually I did. When my mother died I felt relief. Freedom. (father was the beater and mother was the manipulator) Don’t mention something like that to a dr then they want you to see a psychiatrist pffffttt not happening. I don’t know how the manipulator liar grifter scum markle can get away with what she does. I am glad you are there to write how I feel. And also, your words and your pics lift me up. Your pics give me feelings of goodness. I don’t know the words but when I see you majestic comes to mind. God Bless You, and thank you for being there.

    Like

Leave a comment

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.